Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 26:17-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo, ndizvo zvakaita mupfuuri anopindira pagakava risinei naye.

18. Somupengo unopotsera zvitsiga zvomoto, kana miseve inouraya,

19. ndizvo zvakaita munhu anonyengera muvakidzani wake uye achizoti, “Ndanga ndichiita zvangu je-e!”

20. Pasina huni moto unodzima; pasina makuhwa kukakavara kunopera.

21. Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta nehuni pamoto, ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave.

22. Mashoko eguhwa akaita semisuva yakaisvonaka inodzika mukatikati momunhu.

23. Samarara esirivha akanamirwa kunze kwomudziyo wevhu, ndizvo zvakaita miromo inotaura zvinoyevedza, asi nomwoyo wakaipa.

24. Muparadzi anozvivanza namatauriro ake, asi mumwoyo make akaviga ruvengo.

25. Kunyange mashoko ake achitapira, usatenda zvaanotaura, nokuti mumwoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe.

26. Ruvengo rwake rungavigwa mukunyengera kwake, asi kuipa kwake kuchabudiswa pachena paungano.

27. Kana munhu akachera gomba, achawira mariri; kana munhu akakungurutsa ibwe, richakunguruka, richidzokera pamusoro pake.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 26