Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 26:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Sechando muzhizha kana mvura pakukohwa, rukudzo haruna kufanira kubenzi.

2. Sezvinoita kadhimba pakubhururuka kwako, kana nyenganyenga pakubhururuka kwayo somuseve, saizvozvowo kutuka pasina mhosva hakuna zvakunoita.

3. Tyava yakaitirwa bhiza, matomu akaitirwa mbongoro, uye shamhu musana webenzi!

4. Usapindura benzi maererano noupenzi hwaro, kana kuti iwe pachako uchafanana naro.

5. Pindura benzi maererano noupenzi hwaro, kuti rirege kuona sokuti rakachenjera.

6. Sokuzvigura tsoka kana kunwa bongozozo, ndizvo zvakaita kutumira shoko noruoko rwebenzi.

7. Samakumbo echirema akangorembera ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi.

8. Sokusungira ibwe pachipfuramabwe ndizvo zvakaita kupa rukudzo kubenzi.

9. Segwenzi reminzwa riri muruoko rwechidhakwa, ndizvo zvakaita chirevo chiri mumuromo webenzi.

10. Somuwemburi weuta anopfura pose pose, ndizvo zvakaita anoshandirwa nebenzi kana nomupfuuri zvake.

11. Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, ndizvo zvakaita benzi rinodzokorora upenzi hwaro.

12. Unoona munhu anozviti akachenjera pakuona kwake here? Benzi rinotova netariro kupfuura iye.

13. Simbe inoti, “Kune shumba kunzira, shumba inotyisa iri kufamba-famba munzira dzomumusha!”

14. Segonhi rinotenderera pamahinji aro, ndizvo zvinoita simbe pamubhedha wayo.

15. Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; inoita usimbe hwokutadza kurudzosera kumuromo wayo.

16. Simbe inozviti yakachenjera pakuona kwayo kupfuura vanhu vanomwe vanopindura nenjere.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 26