Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 25:11-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Shoko rataurwa nenguva yakafanira rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha.

12. Semhete yomunzeve yegoridhe kana chishongo chegoridhe rakaisvonaka, ndizvo zvakaita kutsiura kwomunhu akachenjera, kunzeve inoteerera.

13. Nhume yakatendeka kune anoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; inonyevenutsa mweya yavanatenzi vake.

14. Samakore nemhepo zvisina mvura, ndizvo zvakaita munhu anozvirumbidza pamusoro pezvipo zvaasingapi.

15. Kubudikidza nomwoyo murefu mubati anogona kukundwa, uye rurimi runyoro runogona kuvhuna mapfupa.

16. Kana wawana uchi, idya hunokuringana chete, hukawandisa, ucharutsa.

17. Usanyanyoenda pamba pomuvakidzani wako, ukanyanya kuendapo, achakuvenga.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 25