Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 24:6-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.

7. Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; padare repasuo reguta harina chokutaura.

8. Uyo anoronga kuita zvakaipa achazivikanwa senhubu.

9. Mufungo woupenzi chivi, uye vanhu vanonyangadzwa nomuseki.

10. Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei!

11. Nunurai avo vari kuiswa kurufu; dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa.

12. Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?

13. Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka; uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi.

14. Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako; kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparari.

15. Usavandira sezvinoita wakaipa paimba yomunhu akarurama, usaparadza paanogara;

16. nokuti kunyange munhu akaruruma achiwa runomwe, anosimukazve, asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi.

17. Usafara kana muvengi wako achiwa; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara,

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 24