3. Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa;
4. kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha.
5. Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba;
6. nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.
7. Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; padare repasuo reguta harina chokutaura.
8. Uyo anoronga kuita zvakaipa achazivikanwa senhubu.
9. Mufungo woupenzi chivi, uye vanhu vanonyangadzwa nomuseki.
10. Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei!