25. Asi zvichanakira vaya vanopa mhosva kune vane mhosva, uye kuropafadzwa kukuru kuchauya pamusoro pavo.
26. Mhinduro yechokwadi yakafanana nokutsvoda pamiromo.
27. Pedza basa rako rapanze ugadzirire minda yako; shure kwaizvozvo, uvake imba yako.
28. Usava chapupu chinopomera muvakidzani wako pasina mhaka, kana kushandisa miromo yako kuti unyengere.
29. Usati, “Ndichamuitirawo zvaakandiitira; ndicharipira munhu uya zvaakaita.”
30. Ndakapfuura napamunda wesimbe, ndikapfuura napamunda womuzambiringa womunhu asina njere;
31. minzwa yakanga yamera pose pose, munda wakanga wafukidzwa nesora, uye rusvingo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.
32. Ndakafungisisa zvandakanga ndacherechedza ndikadzidza chidzidzo pane zvandakanga ndaona.