Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 24:25-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Asi zvichanakira vaya vanopa mhosva kune vane mhosva, uye kuropafadzwa kukuru kuchauya pamusoro pavo.

26. Mhinduro yechokwadi yakafanana nokutsvoda pamiromo.

27. Pedza basa rako rapanze ugadzirire minda yako; shure kwaizvozvo, uvake imba yako.

28. Usava chapupu chinopomera muvakidzani wako pasina mhaka, kana kushandisa miromo yako kuti unyengere.

29. Usati, “Ndichamuitirawo zvaakandiitira; ndicharipira munhu uya zvaakaita.”

30. Ndakapfuura napamunda wesimbe, ndikapfuura napamunda womuzambiringa womunhu asina njere;

31. minzwa yakanga yamera pose pose, munda wakanga wafukidzwa nesora, uye rusvingo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.

32. Ndakafungisisa zvandakanga ndacherechedza ndikadzidza chidzidzo pane zvandakanga ndaona.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 24