Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 24:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. nokuti mwoyo yavo inoronga kuita nechisimba, uye miromo yavo inotaura pamusoro pokuita mhirizhonga.

3. Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa;

4. kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha.

5. Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba;

6. nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.

7. Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; padare repasuo reguta harina chokutaura.

8. Uyo anoronga kuita zvakaipa achazivikanwa senhubu.

9. Mufungo woupenzi chivi, uye vanhu vanonyangadzwa nomuseki.

10. Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei!

11. Nunurai avo vari kuiswa kurufu; dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa.

12. Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?

13. Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka; uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 24