Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 24:19-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa, kana kuchiva vakaipa,

20. nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana, uye mwenje wavakaipa uchadzimwa.

21. Itya Jehovha namambo, mwanakomana wangu, usabatana navanopanduka,

22. nokuti vaviri ivavo vanouyisa kuparadzwa kwavari nokukurumidza, uye ndiani anoziva njodzi dzavangauyisa?

23. Izviwo zvirevo zvomuchenjeri: Kuita rusaruro mukutonga hakuna kunaka:

24. Ani naani anoti kune ane mhosva, “Hauna mhosva,” marudzi achamutuka uye ndudzi dzichamushora.

25. Asi zvichanakira vaya vanopa mhosva kune vane mhosva, uye kuropafadzwa kukuru kuchauya pamusoro pavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 24