Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 24:14-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako; kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparari.

15. Usavandira sezvinoita wakaipa paimba yomunhu akarurama, usaparadza paanogara;

16. nokuti kunyange munhu akaruruma achiwa runomwe, anosimukazve, asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi.

17. Usafara kana muvengi wako achiwa; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara,

18. kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari.

19. Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa, kana kuchiva vakaipa,

20. nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana, uye mwenje wavakaipa uchadzimwa.

21. Itya Jehovha namambo, mwanakomana wangu, usabatana navanopanduka,

22. nokuti vaviri ivavo vanouyisa kuparadzwa kwavari nokukurumidza, uye ndiani anoziva njodzi dzavangauyisa?

23. Izviwo zvirevo zvomuchenjeri: Kuita rusaruro mukutonga hakuna kunaka:

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 24