Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 24:10-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei!

11. Nunurai avo vari kuiswa kurufu; dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa.

12. Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?

13. Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka; uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi.

14. Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako; kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparari.

15. Usavandira sezvinoita wakaipa paimba yomunhu akarurama, usaparadza paanogara;

16. nokuti kunyange munhu akaruruma achiwa runomwe, anosimukazve, asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi.

17. Usafara kana muvengi wako achiwa; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara,

18. kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari.

19. Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa, kana kuchiva vakaipa,

20. nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana, uye mwenje wavakaipa uchadzimwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 24