Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 24:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Usachiva vanhu vakaipa, usashuva kufamba navo;

2. nokuti mwoyo yavo inoronga kuita nechisimba, uye miromo yavo inotaura pamusoro pokuita mhirizhonga.

3. Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa;

4. kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha.

5. Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba;

6. nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.

7. Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; padare repasuo reguta harina chokutaura.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 24