1. Usachiva vanhu vakaipa, usashuva kufamba navo;
2. nokuti mwoyo yavo inoronga kuita nechisimba, uye miromo yavo inotaura pamusoro pokuita mhirizhonga.
3. Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa;
4. kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha.
5. Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba;