Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 23:5-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo.

6. Usadya zvokudya zvomunhu anonyima, kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka;

7. nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.

8. Ucharutsa zvishoma izvozvo zvawadya, uye unenge watambisa mashoko ako nokumutenda.

9. Usataura nebenzi, nokuti richashora uchenjeri hwamashoko ako.

10. Usabvisa dombo romuganhu wakare kana kupinda paminda yenherera,

11. nokuti Mudziviriri wavo ane simba; iye achavarwira pamhaka yavo newe.

12. Isa mwoyo wako kumurayiro nenzeve dzako kumashoko ezivo.

13. Usarega kuranga mwana; ukamuranga neshamhu, haafi.

14. Murange neshamhu ugoponesa mweya wake kubva parufu.

15. Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera, ipapo mwoyo wangu uchafara;

16. mukatikati mangu muchapembera kana miromo yako ichitaura zvakarurama.

17. Usarega mwoyo wako uchichiva vatadzi, asi nguva dzose shingairira kutya Jehovha.

18. Zvirokwazvo ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparadzwi.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 23