Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 23:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati, nyatsocherechedza zviri pamberi pako,

2. uise banga pahuro kana uri munhu wamadyo.

3. Usapanga zvokudya zvake zvinonaka nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera.

4. Usazvionza nokuda kuwana pfuma; iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate.

5. Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo.

6. Usadya zvokudya zvomunhu anonyima, kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka;

7. nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.

8. Ucharutsa zvishoma izvozvo zvawadya, uye unenge watambisa mashoko ako nokumutenda.

9. Usataura nebenzi, nokuti richashora uchenjeri hwamashoko ako.

10. Usabvisa dombo romuganhu wakare kana kupinda paminda yenherera,

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 23