Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 22:25-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. kuti urege kudzidza tsika dzake, uye urege kuzviteya nomusungo.

26. Usava munhu anombunda ruoko pamhiko, kana kuzviita rubatso pazvikwereti;

27. kana usina chaungaripa nacho, uchatorerwa mubhedha wako chaiwo, paurere chaipo.

28. Usabvisa dombo romuganhu wakare, wakaiswapo namadzibaba ako.

29. Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here? Achashanda pamberi pamadzimambo; haangashandiri vanhu vasina maturo.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 22