Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 22:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose.

3. Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambura nokuda kwaizvozvo.

4. Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.

5. Munzira yowakaipa mune minzwa nemisungo, asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo.

6. Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

7. Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo, uye anokwereta anova muranda waanomupa chikwereti.

8. Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko, uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa.

9. Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa, nokuti anopa varombo zvokudya zvake.

10. Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo; kupopotedzana nokutukana kunoguma.

11. Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka, achava shamwari yamambo.

12. Meso aJehovha anorinda zivo, asi anokonesa mashoko omunhu asina kutendeka.

13. Simbe inoti, “Panze pane shumba,” kana kuti, “Ndinourayiwa munzira!”

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 22