Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 22:17-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Nyatsoteerera unzwe mashoko omuchenjeri; isa mwoyo wako kumashoko andinokudzidzisa,

18. nokuti chinhu chinofadza kana ukaachengeta mumwoyo mako, uye ugare wakagadzirira kuataura ose.

19. Kuti uvimbe naJehovha, ndinokudzidzisa nhasi, kunyange iyewe.

20. Handina kukunyorera zvirevo makumi matatu here, mashoko edzidziso noruzivo,

21. kukudzidzisa mashoko echokwadi anovimbika, kuitira kuti ugopa mhinduro dzakafanira kuno uyo akakutuma?

22. Usatorera varombo nokuti varombo, uye usamanikidza vanoshayiwa mudare redzimhosva,

23. nokuti Jehovha achavarwira pamhaka yavo, uye achapamba vanovapamba.

24. Usaita ushamwari nomunhu ane hasha, uye usafambidzana nomunhu anokurumidza kutsamwa,

25. kuti urege kudzidza tsika dzake, uye urege kuzviteya nomusungo.

26. Usava munhu anombunda ruoko pamhiko, kana kuzviita rubatso pazvikwereti;

27. kana usina chaungaripa nacho, uchatorerwa mubhedha wako chaiwo, paurere chaipo.

28. Usabvisa dombo romuganhu wakare, wakaiswapo namadzibaba ako.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 22