Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 22:10-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo; kupopotedzana nokutukana kunoguma.

11. Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka, achava shamwari yamambo.

12. Meso aJehovha anorinda zivo, asi anokonesa mashoko omunhu asina kutendeka.

13. Simbe inoti, “Panze pane shumba,” kana kuti, “Ndinourayiwa munzira!”

14. Muromo womukadzi chifeve igomba rakadzika; uyo ari pasi pokutsamwa kwaJehovha achawira mariri.

15. Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana, asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye.

16. Uyo anomanikidza varombo kuti awedzere pfuma yake nouyo anopa zvipo kuvapfumi, vose vachava varombo.

17. Nyatsoteerera unzwe mashoko omuchenjeri; isa mwoyo wako kumashoko andinokudzidzisa,

18. nokuti chinhu chinofadza kana ukaachengeta mumwoyo mako, uye ugare wakagadzirira kuataura ose.

19. Kuti uvimbe naJehovha, ndinokudzidzisa nhasi, kunyange iyewe.

20. Handina kukunyorera zvirevo makumi matatu here, mashoko edzidziso noruzivo,

21. kukudzidzisa mashoko echokwadi anovimbika, kuitira kuti ugopa mhinduro dzakafanira kuno uyo akakutuma?

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 22