Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 22:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe.

2. Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose.

3. Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambura nokuda kwaizvozvo.

4. Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.

5. Munzira yowakaipa mune minzwa nemisungo, asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo.

6. Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

7. Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo, uye anokwereta anova muranda waanomupa chikwereti.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 22