Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 20:6-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Vanhu vazhinji vanoti vane rudo rusingagumi, asi munhu akatendeka angawanikwa kupiko?

7. Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka; vana vake vanomutevera vakaropafadzwa.

8. Kana mambo achinge agara pachigaro chake kuti atonge, anopepeta zvakaipa zvose nameso ake.

9. Ndiani angati, “Ndakachengeta mwoyo wangu wakachena; ndakachena uye handina zvivi”?

10. Zviereso zvakasiyana nezvipimo zvakasiyana Jehovha anozvivenga zvose.

11. Kunyange mwana anozivikanwa nezvaanoita, kuti tsika dzake dzakanaka uye kuti dzakarurama here.

12. Nzeve dzinonzwa nameso anoona, Jehovha ndiye akazviita zvose zviri zviviri.

13. Usafarira kurara kana kuti uchava murombo; svinudza meso ako ipapo uchava nezvokudya zvakawanda.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 20