Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 20:27-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Mwenje waJehovha unonzvera mweya womunhu; unonzvera zviri mukatikati make.

28. Rudo nokutendeka zvinochengetedza mambo; kubudikidza norudo chigaro chake chinosimbiswa.

29. Kukudzwa kwamajaya ndiro simba ravo, bvudzi jena kubwinya kwavakwegura.

30. Kurohwa nokukuvadzwa zvinobvisa zvakaipa, uye kurohwa neshamhu kunovaka munhu womukati.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 20