27. Mwenje waJehovha unonzvera mweya womunhu; unonzvera zviri mukatikati make.
28. Rudo nokutendeka zvinochengetedza mambo; kubudikidza norudo chigaro chake chinosimbiswa.
29. Kukudzwa kwamajaya ndiro simba ravo, bvudzi jena kubwinya kwavakwegura.
30. Kurohwa nokukuvadzwa zvinobvisa zvakaipa, uye kurohwa neshamhu kunovaka munhu womukati.