Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 20:21-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Nhaka yakakurumidza kuwanikwa pakutanga haingaropafadzwi pamagumo ayo.

22. Usati, “Ndichatsiva zvawanditadzira izvi!” Mirira Jehovha, uye iye achakubatsira.

23. Jehovha anovenga zviereso zvinosiyana, uye zviero zvinonyengera hazvimufadzi.

24. Kufamba kwomunhu kunotungamirirwa naJehovha. Zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake?

25. Musungo kumunhu kuti akumikidze chimwe chinhu nokukurumidza uye ozorangarira mhiko dzake pava paya.

26. Mambo akachenjera anopepeta zvakaipa; anofambisa vhiri rokupura pamusoro pavo.

27. Mwenje waJehovha unonzvera mweya womunhu; unonzvera zviri mukatikati make.

28. Rudo nokutendeka zvinochengetedza mambo; kubudikidza norudo chigaro chake chinosimbiswa.

29. Kukudzwa kwamajaya ndiro simba ravo, bvudzi jena kubwinya kwavakwegura.

30. Kurohwa nokukuvadzwa zvinobvisa zvakaipa, uye kurohwa neshamhu kunovaka munhu womukati.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 20