Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 20:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; uyo anomutsamwisa anotadzira upenyu hwake.

3. Munhu achakudzwa kana akagara kure nokukakavara, asi benzi rimwe nerimwe rinokurumidza kupopota.

4. Simbe hairimi mumwaka wokurima; saka panguva yokukohwa anotsvaka asi hapana chaanowana.

5. Zvinangwa zvomwoyo womunhu imvura yakadzika, asi munhu akachenjera achaichera.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 20