Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 20:17-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Zvokudya zvakawanikwa nokunyengetera zvinonaka kumunhu, asi achapedzisira ava nomukanwa mazara jecha.

18. Ita urongwa nokutsvaga mazano; kana uchironga hondo, tsvaka kutungamirirwa.

19. Guhwa rinoputsa chivimbo; saka furatira munhu anotaurisa.

20. Kana munhu akatuka baba vake kana mai vake, mwenje wake uchadzimwa parima guru.

21. Nhaka yakakurumidza kuwanikwa pakutanga haingaropafadzwi pamagumo ayo.

22. Usati, “Ndichatsiva zvawanditadzira izvi!” Mirira Jehovha, uye iye achakubatsira.

23. Jehovha anovenga zviereso zvinosiyana, uye zviero zvinonyengera hazvimufadzi.

24. Kufamba kwomunhu kunotungamirirwa naJehovha. Zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake?

25. Musungo kumunhu kuti akumikidze chimwe chinhu nokukurumidza uye ozorangarira mhiko dzake pava paya.

26. Mambo akachenjera anopepeta zvakaipa; anofambisa vhiri rokupura pamusoro pavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 20