Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 20:13-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Usafarira kurara kana kuti uchava murombo; svinudza meso ako ipapo uchava nezvokudya zvakawanda.

14. “Hazvina kunaka, hazvina kunaka!” ndizvo zvinotaura mutengi; ipapo hoyo oenda achizvirumbidza pamusoro pezvaatenga.

15. Goridhe riripo, uye matombo anokosha amarubhi azere, asi miromo inotaura zivo ndicho chinhu chinokosha chisipo.

16. Mutorerei nguo yake, uyo anoitira mutorwa rubatso; itorei sorubatso kana azviitira mukadzi asingazvibati.

17. Zvokudya zvakawanikwa nokunyengetera zvinonaka kumunhu, asi achapedzisira ava nomukanwa mazara jecha.

18. Ita urongwa nokutsvaga mazano; kana uchironga hondo, tsvaka kutungamirirwa.

19. Guhwa rinoputsa chivimbo; saka furatira munhu anotaurisa.

20. Kana munhu akatuka baba vake kana mai vake, mwenje wake uchadzimwa parima guru.

21. Nhaka yakakurumidza kuwanikwa pakutanga haingaropafadzwi pamagumo ayo.

22. Usati, “Ndichatsiva zvawanditadzira izvi!” Mirira Jehovha, uye iye achakubatsira.

23. Jehovha anovenga zviereso zvinosiyana, uye zviero zvinonyengera hazvimufadzi.

24. Kufamba kwomunhu kunotungamirirwa naJehovha. Zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake?

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 20