Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 20:11-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Kunyange mwana anozivikanwa nezvaanoita, kuti tsika dzake dzakanaka uye kuti dzakarurama here.

12. Nzeve dzinonzwa nameso anoona, Jehovha ndiye akazviita zvose zviri zviviri.

13. Usafarira kurara kana kuti uchava murombo; svinudza meso ako ipapo uchava nezvokudya zvakawanda.

14. “Hazvina kunaka, hazvina kunaka!” ndizvo zvinotaura mutengi; ipapo hoyo oenda achizvirumbidza pamusoro pezvaatenga.

15. Goridhe riripo, uye matombo anokosha amarubhi azere, asi miromo inotaura zivo ndicho chinhu chinokosha chisipo.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 20