Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 20:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Waini museki uye doro mupopoti; ani naani anotsauswa nazvo haana kuchenjera.

2. Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; uyo anomutsamwisa anotadzira upenyu hwake.

3. Munhu achakudzwa kana akagara kure nokukakavara, asi benzi rimwe nerimwe rinokurumidza kupopota.

4. Simbe hairimi mumwaka wokurima; saka panguva yokukohwa anotsvaka asi hapana chaanowana.

5. Zvinangwa zvomwoyo womunhu imvura yakadzika, asi munhu akachenjera achaichera.

6. Vanhu vazhinji vanoti vane rudo rusingagumi, asi munhu akatendeka angawanikwa kupiko?

7. Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka; vana vake vanomutevera vakaropafadzwa.

8. Kana mambo achinge agara pachigaro chake kuti atonge, anopepeta zvakaipa zvose nameso ake.

9. Ndiani angati, “Ndakachengeta mwoyo wangu wakachena; ndakachena uye handina zvivi”?

10. Zviereso zvakasiyana nezvipimo zvakasiyana Jehovha anozvivenga zvose.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 20