Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 2:3-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa,

4. uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa,

5. ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo rwaMwari.

6. Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.

7. Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa,

8. nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake.

9. Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka.

10. Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, uye ruzivo ruchafadza mweya wako.

11. Kungwara kuchakuchengetedza, uye kunzwisisa kuchakurinda.

12. Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama,

13. vanosiya nzira yakarurama kuti vafambe munzira dzerima,

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 2