Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 2:17-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. uyo akasiya murume woumhandara hwake uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari.

18. Nokuti imba yake inoenda kurufu, uye nzira dzake kumweya yavakafa.

19. Hakuna anoenda kwaari achidzoka kana kuzowana nzira dzoupenyu.

20. Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka uye ucharamba uri munzira dzavakarurama.

21. Nokuti vakarurama vachagara munyika, uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi;

22. asi vakaipa vachaparadzwa panyika, uye vasina kutendeka vachabviswa pairi.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 2