Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 19:6-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Vazhinji vanotsvaka nyasha kumubati, uye mumwe nomumwe ishamwari yomunhu anopa zvipo.

7. Murombo anoraswa nehama dzake dzose, kuzoti shamwari dzake, dzinomunzvenga zvakadii! Kunyange akavatevera achidemba kwazvo havangawanikwi.

8. Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake; uye anochengeta kunzwisisa anobudirira.

9. Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo achaparara.

10. Hazvina kufanira kuti benzi rigarike, ko, zvakanyanya kuipa sei kuti muranda atonge machinda!

11. Uchenjeri hwomunhu hunomupa mwoyo murefu; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.

12. Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba, asi nyasha dzake dzakaita sedova pauswa.

13. Mwanakomana benzi ndiko kuparara kwababa vake, uye mukadzi anokakavara akafanana nemvura inoramba ichingodonha.

14. Dzimba nepfuma inhaka inobva kuvabereki, asi mukadzi akanaka anobva kuna Jehovha.

15. Usimbe hunouyisa hope dzakadzama, uye munhu asingashandi achafa nenzara.

16. Uyo anoteerera kurayira anochengetedza upenyu hwake, asi uyo asina hanya nenzira dzake achafa.

17. Uyo anonzwira varombo tsitsi anopa kuna Jehovha, uye achamupa mubayiro wezvaakaita.

18. Ranga mwanakomana wako, nokuti mukuranga ndimo mune tariro; usava nechikamu pakuparadzwa kwake.

19. Munhu ane hasha zvikuru anofanira kuripa, mhosva yake; kana ukamununura, unofanira kuzomununurazve.

20. Teerera zano ugamuchire kurayirwa, uye pakupedzisira uchava wakachenjera.

21. Mune urongwa huzhinji mumwoyo momunhu, asi kuda kwaJehovha ndiko kunobudiririra.

22. Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi; zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 19