Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 19:12-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba, asi nyasha dzake dzakaita sedova pauswa.

13. Mwanakomana benzi ndiko kuparara kwababa vake, uye mukadzi anokakavara akafanana nemvura inoramba ichingodonha.

14. Dzimba nepfuma inhaka inobva kuvabereki, asi mukadzi akanaka anobva kuna Jehovha.

15. Usimbe hunouyisa hope dzakadzama, uye munhu asingashandi achafa nenzara.

16. Uyo anoteerera kurayira anochengetedza upenyu hwake, asi uyo asina hanya nenzira dzake achafa.

17. Uyo anonzwira varombo tsitsi anopa kuna Jehovha, uye achamupa mubayiro wezvaakaita.

18. Ranga mwanakomana wako, nokuti mukuranga ndimo mune tariro; usava nechikamu pakuparadzwa kwake.

19. Munhu ane hasha zvikuru anofanira kuripa, mhosva yake; kana ukamununura, unofanira kuzomununurazve.

20. Teerera zano ugamuchire kurayirwa, uye pakupedzisira uchava wakachenjera.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 19