Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 18:5-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Hazvina kunaka kutsaura akaipa kana kusaruramisira asina mhosva.

6. Miromo yebenzi inoriunzira kukakavara, uye muromo wake unomukokera kurohwa.

7. Muromo webenzi ndiwo kuparadzwa kwaro, uye miromo yaro ndiwo musungo kumweya waro.

8. Mashoko amakuhwa akaita semisuva yakanakisisa; anoenda pakadzikadzika mukati momunhu.

9. Uyo ano usimbe pakubata kwake ihama youyo anoparadza.

10. Zita raJehovha inhare yakasimba; vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa.

11. Pfuma yavapfumi ndiro guta ravo rina masvingo; vanoriona sorusvingo rurefu pakufunga kwavo.

12. Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza, asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.

13. Uyo anopindura asati anzwa, ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.

14. Mweya womunhu unomusimbisa panguva yokurwara, asi mweya wakapwanyika ndiani angaumutsa?

15. Mwoyo woune njere unowana ruzivo, nzeve dzowakachenjera dzinorutsvaka.

16. Chipo chinozarurira nzira kune achipa, uye chinomusvitsa pamberi pavakuru.

17. Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka, kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza.

18. Kukanda mijenya kunopedza gakava, uye kunotonga pakati pavaviri vanopikisana zvikuru.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 18