Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 18:16-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Chipo chinozarurira nzira kune achipa, uye chinomusvitsa pamberi pavakuru.

17. Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka, kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza.

18. Kukanda mijenya kunopedza gakava, uye kunotonga pakati pavaviri vanopikisana zvikuru.

19. Hama yatadzirwa yakasimba kupfuura guta rakakomberedzwa namasvingo, uye kukakavara kwakafanana namazariro amasuo omuzinda wamambo.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 18