Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 18:12-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza, asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.

13. Uyo anopindura asati anzwa, ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.

14. Mweya womunhu unomusimbisa panguva yokurwara, asi mweya wakapwanyika ndiani angaumutsa?

15. Mwoyo woune njere unowana ruzivo, nzeve dzowakachenjera dzinorutsvaka.

16. Chipo chinozarurira nzira kune achipa, uye chinomusvitsa pamberi pavakuru.

17. Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka, kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza.

18. Kukanda mijenya kunopedza gakava, uye kunotonga pakati pavaviri vanopikisana zvikuru.

19. Hama yatadzirwa yakasimba kupfuura guta rakakomberedzwa namasvingo, uye kukakavara kwakafanana namazariro amasuo omuzinda wamambo.

20. Kubva pazvibereko zvomuromo wake dumbu romunhu rinogutiswa; nezvinobva pamiromo yake achagutiswa.

21. Rurimi rune simba roupenyu norufu, uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo.

22. Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka, uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.

23. Murombo anokumbira kuitirwa tsitsi, asi mupfumi anopindura nehasha.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 18