Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 18:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Munhu asina ukama navamwe anongozvitsvakira zvake; anozvidza kutonga kwakanaka kwose.

2. Benzi harifariri kunzwisisa, asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete.

3. Panosvika chakaipa, kuzvidzwa kunouyawo, uye kana nyadzi dzichisvika kusakudzwa kwasvikawo.

4. Mashoko omuromo womunhu imvura yakadzika, asi tsime rouchenjeri chitubu chinoyerera.

5. Hazvina kunaka kutsaura akaipa kana kusaruramisira asina mhosva.

6. Miromo yebenzi inoriunzira kukakavara, uye muromo wake unomukokera kurohwa.

7. Muromo webenzi ndiwo kuparadzwa kwaro, uye miromo yaro ndiwo musungo kumweya waro.

8. Mashoko amakuhwa akaita semisuva yakanakisisa; anoenda pakadzikadzika mukati momunhu.

9. Uyo ano usimbe pakubata kwake ihama youyo anoparadza.

10. Zita raJehovha inhare yakasimba; vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa.

11. Pfuma yavapfumi ndiro guta ravo rina masvingo; vanoriona sorusvingo rurefu pakufunga kwavo.

12. Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza, asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.

13. Uyo anopindura asati anzwa, ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 18