Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 17:3-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Hari ndeyokubika sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi Jehovha ndiye anoedza mwoyo.

4. Munhu akaipa anoteerera miromo yakaipa; murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi runoparadza.

5. Uyo anoseka varombo anozvidza Musiki wavo, ani naani anofarira njodzi dzavamwe haangaregi kurangwa.

6. Vana vevana ikorona kune vakwegura, uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.

7. Kutaura kuna manyawi hakuna kufanira benzi, zvikuru sei kutaura nhema kwomubati!

8. Fufuro inofadza uyo anoipa; kwose kwose kwaanoenda, anobudirira.

9. Uyo anofukidzira kudarika kwomumwe anotsvaka rudo, asi ani naani anomutsazve mhaka anoparadzanisa shamwari dzepedyo.

10. Kutsiurwa kunofadza munhu ane njere kupfuura kurohwa kwebenzi kazana.

11. Munhu akaipa anongotsvaka kumukira chete; nhume isina tsitsi ichatumirwa kundomurwisa.

12. Zviri nani kusangana nechikara chatorerwa vana vacho pane benzi muupenzi hwaro.

13. Kana munhu akaripira zvakanaka nezvakaipa, zvakaipa hazvizombobvi paimba yake.

14. Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura yedhamu; saka rega nharo kurwa kusati kwatanga.

15. Kupembedza ane mhosva nokupomera asina mhaka, Jehovha anozvivenga zvose.

16. Ine basa reiko mari kana iri muruoko rwebenzi, sezvo risina chishuvo chokuwana uchenjeri?

17. Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa nhamo.

18. Munhu anoshayiwa njere ndiye anombunda noruoko rwake pamhiko, uye anoitira muvakidzani wake rubatso.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 17