Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 17:14-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura yedhamu; saka rega nharo kurwa kusati kwatanga.

15. Kupembedza ane mhosva nokupomera asina mhaka, Jehovha anozvivenga zvose.

16. Ine basa reiko mari kana iri muruoko rwebenzi, sezvo risina chishuvo chokuwana uchenjeri?

17. Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa nhamo.

18. Munhu anoshayiwa njere ndiye anombunda noruoko rwake pamhiko, uye anoitira muvakidzani wake rubatso.

19. Uyo anoda zvokukakavara anoda chivi; uyo anovaka suo refu anotsvaka kuparadzwa.

20. Munhu ane mwoyo wakaipa haabudiriri; uyo ane rurimi runonyengera achawira mudambudziko.

21. Kuva nomwanakomana benzi kunouyisa kurwadziwa; baba vebenzi havana mufaro.

22. Mwoyo wakafara mushonga wakanaka, asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.

23. Munhu akaipa anogamuchira fufuro muchivande, kuti aminamise nzira dzokururamisira.

24. Munhu ane njere anoisa uchenjeri pamberi, asi meso ebenzi anosvika kumagumo enyika.

25. Mwanakomana benzi anorwadzisa baba vake, uye anoitisa shungu uyo akamubereka.

26. Hazvina kunaka kuranga munhu asina mhosva, kana kurova machinda nokuda kwokururama kwavo.

27. Munhu ano ruzivo anoshandisa mashoko achizvidzora, uye munhu anonzwisisa akadzikama.

28. Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera, uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 17