Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 17:11-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Munhu akaipa anongotsvaka kumukira chete; nhume isina tsitsi ichatumirwa kundomurwisa.

12. Zviri nani kusangana nechikara chatorerwa vana vacho pane benzi muupenzi hwaro.

13. Kana munhu akaripira zvakanaka nezvakaipa, zvakaipa hazvizombobvi paimba yake.

14. Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura yedhamu; saka rega nharo kurwa kusati kwatanga.

15. Kupembedza ane mhosva nokupomera asina mhaka, Jehovha anozvivenga zvose.

16. Ine basa reiko mari kana iri muruoko rwebenzi, sezvo risina chishuvo chokuwana uchenjeri?

17. Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa nhamo.

18. Munhu anoshayiwa njere ndiye anombunda noruoko rwake pamhiko, uye anoitira muvakidzani wake rubatso.

19. Uyo anoda zvokukakavara anoda chivi; uyo anovaka suo refu anotsvaka kuparadzwa.

20. Munhu ane mwoyo wakaipa haabudiriri; uyo ane rurimi runonyengera achawira mudambudziko.

21. Kuva nomwanakomana benzi kunouyisa kurwadziwa; baba vebenzi havana mufaro.

22. Mwoyo wakafara mushonga wakanaka, asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.

23. Munhu akaipa anogamuchira fufuro muchivande, kuti aminamise nzira dzokururamisira.

24. Munhu ane njere anoisa uchenjeri pamberi, asi meso ebenzi anosvika kumagumo enyika.

25. Mwanakomana benzi anorwadzisa baba vake, uye anoitisa shungu uyo akamubereka.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 17