Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 15:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu, asi rurimi runonyengera runopwanya mweya.

5. Benzi rinoramba kurayira kwababa varo, asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara.

6. Imba yowakarurama ine pfuma zhinji, asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuuyira kutambudzika.

7. Miromo yavakachenjera inokusha zivo; asi mwoyo yamapenzi haidaro.

8. Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa, asi munyengetero wokururama unomufadza.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 15