Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 15:26-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa, asi dzavakachena dzinomufadza.

27. Munhu anokarira pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake, asi anovenga fufuro achararama.

28. Mwoyo wokururama unoyera mhinduro dzawo, asi muromo woakaipa unodurura zvakaipa.

29. Jehovha ari kure nowakaipa, asi anonzwa munyengetero woakarurama.

30. Chiso chinobwinya chinofadza mwoyo, uye mashoko akanaka anopa utano kumapfupa.

31. Uyo anoteerera kutsiura kunopa upenyu achagara pakati pavakachenjera.

32. Uyo asina hanya nokurangwa anozvizvidza iye pachake, asi ani naani anogamuchira kurayira achawana kunzwisisa.

33. Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri, uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 15