Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 15:18-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Munhu ane hasha anomutsa bopoto, asi munhu ane mwoyo murefu anonyaradza kukakavara.

19. Nzira yesimbe yakasoswa neminzwa, asi nzira yavakarurama mugwagwa mukuru.

20. Mwanakomana akachenjera anounzira baba vake mufaro, asi munhu benzi anozvidza mai vake.

21. Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere, asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama.

22. Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano, asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira.

23. Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka, uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva!

24. Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro, ichimuchengetedza kuti asaenda muguva.

25. Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza, asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba.

26. Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa, asi dzavakachena dzinomufadza.

27. Munhu anokarira pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake, asi anovenga fufuro achararama.

28. Mwoyo wokururama unoyera mhinduro dzawo, asi muromo woakaipa unodurura zvakaipa.

29. Jehovha ari kure nowakaipa, asi anonzwa munyengetero woakarurama.

30. Chiso chinobwinya chinofadza mwoyo, uye mashoko akanaka anopa utano kumapfupa.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 15