Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 15:17-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo pane rudo, pane kuva nemhuru yakakodzwa pane ruvengo.

18. Munhu ane hasha anomutsa bopoto, asi munhu ane mwoyo murefu anonyaradza kukakavara.

19. Nzira yesimbe yakasoswa neminzwa, asi nzira yavakarurama mugwagwa mukuru.

20. Mwanakomana akachenjera anounzira baba vake mufaro, asi munhu benzi anozvidza mai vake.

21. Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere, asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama.

22. Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano, asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira.

23. Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka, uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva!

24. Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro, ichimuchengetedza kuti asaenda muguva.

25. Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza, asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 15