Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 15:13-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Mwoyo wakafara, unofadza chiso, asi mwoyo une shungu unopwanya mweya.

14. Mwoyo unonzvera unotsvaka ruzivo, asi muromo webenzi unodya upenzi.

15. Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa, asi mwoyo unofara une mutambo nguva dzose.

16. Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha, pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko.

17. Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo pane rudo, pane kuva nemhuru yakakodzwa pane ruvengo.

18. Munhu ane hasha anomutsa bopoto, asi munhu ane mwoyo murefu anonyaradza kukakavara.

19. Nzira yesimbe yakasoswa neminzwa, asi nzira yavakarurama mugwagwa mukuru.

20. Mwanakomana akachenjera anounzira baba vake mufaro, asi munhu benzi anozvidza mai vake.

21. Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere, asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama.

22. Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano, asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira.

23. Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka, uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva!

24. Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro, ichimuchengetedza kuti asaenda muguva.

25. Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza, asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 15