Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 14:5-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Chapupu chechokwadi hachinyengeri, asi chapupu chenhema chinodurura nhema.

6. Mudadi anotsvaka uchenjeri asi haahuwani, asi ruzivo runouya zviri nyore kune anonzvera.

7. Gara kure nomunhu benzi, nokuti haungawani ruzivo kubva pamiromo yake.

8. Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira dzake, asi upenzi hwamapenzi ndihwo unyengeri.

9. Mapenzi anoseka kutendeuka pazvivi, asi kuita zvakanaka kunowanikwa pakati pavakarurama.

10. Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo, uye hapana munhu angagoverana nawo mufaro wawo.

11. Imba yowakaipa ichaparadzwa, asi tende rowakarurama richabudirira.

12. Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi kumagumo inotungamirira kurufu.

13. Kunyange mukuseka mwoyo unogona kurwadziwa, uye mufaro ungangoperera mukusuwa.

14. Vasingatendi vachapiwa mubayiro wenzira dzawo wakazara, uye munhu akanaka achapiwa mubayiro wenzira dzakewo.

15. Munhu asina mano anongotenda zvose zvose, asi munhu akangwara anongwarira mafambiro ake.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 14