Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 14:19-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Vanhu vakaipa vachagwadama pamberi pavakanaka, uye vakaipa pamasuo avakarurama.

20. Varombo vanoraswa kunyange navavakidzani vavo, asi vapfumi vane shamwari zhinji.

21. Uyo anozvidza muvakidzani wake anotadza, asi akaropafadzwa ane tsitsi kune vanoshayiwa.

22. Ko, vanoronga zvakaipa havarasiki here? Asi avo vanoronga zvakanaka vanowana rudo nokutendeka.

23. Kushanda nesimba kwose kunopa mubayiro, asi kungotaura kunotungamirira kuurombo bedzi.

24. Upfumi hwavakachenjera ikorona yavo, asi upenzi hwamapenzi hunobereka upenzi.

25. Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi chapupu chenhema chinonyengera.

26. Uyo anotya Jehovha ane nhare yakasimba, uye ichava utiziro kuvana vake.

27. Kutya Jehovha ndicho chitubu choupenyu, kunodzora munhu kubva pamisungo yorufu.

28. Mukuwanda kwavanhu ndimo mune ukuru hwamambo, asi pasina vanhu muchinda anoparadzwa.

29. Munhu ane mwoyo murefu anonzwisisa, asi munhu anokurumidza kutsamwa anoratidza upenzi.

30. Mwoyo wakagadzikana unopa upenyu kumuviri, asi ruchiva runoodza mapfupa.

31. Uyo anomanikidza varombo anoratidza kuti anozvidza Musiki wavo, asi ani naani ane hanya nevanoshayiwa anokudza Mwari.

32. Kana njodzi yauya, akaipa anowisirwa pasi, asi kunyange murufu akarurama ane utiziro.

33. Uchenjeri hunogara mumwoyo yavanohunzvera uye kunyange pakati pamapenzi hunozvizivisa.

34. Kururama kunosimudzira rudzi, asi chivi chinonyadzisa vanhu vapi zvavo.

35. Mambo anofarira muranda akachenjera, asi muranda anonyadzisa achatsamwirwa naye.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 14