Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 14:15-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Munhu asina mano anongotenda zvose zvose, asi munhu akangwara anongwarira mafambiro ake.

16. Munhu akachenjera anotya Jehovha uye anovenga zvakaipa, asi benzi rina manyawi uye harina hanya.

17. Munhu anokurumidza kutsamwa anoita zvinhu zvoupenzi, uye munhu anoita zvounyengeri achavengwa.

18. Vasina mano vachagara nhaka youpenzi, asi vakangwara vachapfekedzwa korona yezivo.

19. Vanhu vakaipa vachagwadama pamberi pavakanaka, uye vakaipa pamasuo avakarurama.

20. Varombo vanoraswa kunyange navavakidzani vavo, asi vapfumi vane shamwari zhinji.

21. Uyo anozvidza muvakidzani wake anotadza, asi akaropafadzwa ane tsitsi kune vanoshayiwa.

22. Ko, vanoronga zvakaipa havarasiki here? Asi avo vanoronga zvakanaka vanowana rudo nokutendeka.

23. Kushanda nesimba kwose kunopa mubayiro, asi kungotaura kunotungamirira kuurombo bedzi.

24. Upfumi hwavakachenjera ikorona yavo, asi upenzi hwamapenzi hunobereka upenzi.

25. Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi chapupu chenhema chinonyengera.

26. Uyo anotya Jehovha ane nhare yakasimba, uye ichava utiziro kuvana vake.

27. Kutya Jehovha ndicho chitubu choupenyu, kunodzora munhu kubva pamisungo yorufu.

28. Mukuwanda kwavanhu ndimo mune ukuru hwamambo, asi pasina vanhu muchinda anoparadzwa.

29. Munhu ane mwoyo murefu anonzwisisa, asi munhu anokurumidza kutsamwa anoratidza upenzi.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 14