Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 13:8-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura upenyu hwake, asi murombo haanzwi kutyisidzirwa.

9. Chiedza chowakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje woakaipa uchadzimwa.

10. Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete, asi uchenjeri hunowanikwa mune avo vanogamuchira kurayirwa.

11. Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera, asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.

12. Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo, asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.

13. Uyo anozvidza kurayirwa achazozviripira izvozvo, asi uyo anokudza murayiro achawana mubayiro.

14. Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu, rinobvisa munhu pamusungo worufu.

15. Kunzwisisa kwakanaka kunowanisa nyasha, asi nzira yavasina kutendeka ihukutu.

16. Munhu wose akachenjera anoita zvinhu noruzivo, asi benzi rinoratidza upenzi hwaro.

17. Nhume yakaipa inowira munjodzi, asi munyai akatendeka anouya nokuporesa.

18. Uyo anozvidza kurayirwa achava murombo uye achanyadziswa, asi ani naani anoteerera kurayirwa achakudzwa.

19. Chishuvo chazadziswa chinozipa pamweya, asi mapenzi anovenga kusiya zvakaipa.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 13