Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 13:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura upenyu hwake, asi murombo haanzwi kutyisidzirwa.

9. Chiedza chowakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje woakaipa uchadzimwa.

10. Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete, asi uchenjeri hunowanikwa mune avo vanogamuchira kurayirwa.

11. Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera, asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.

12. Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo, asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.

13. Uyo anozvidza kurayirwa achazozviripira izvozvo, asi uyo anokudza murayiro achawana mubayiro.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 13