Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 13:19-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Chishuvo chazadziswa chinozipa pamweya, asi mapenzi anovenga kusiya zvakaipa.

20. Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo, asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa.

21. Zvakaipa zvinotevera mutadzi, asi kubudirira ndiwo mugove wavakarurama.

22. Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka, asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama.

23. Munda womurombo ungabereka zvokudya zvakawanda, asi kusaruramisira kunozvitsvairira kure.

24. Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake, asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 13