Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 12:3-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Munhu haangasimbiswi nezvakaipa, asi mudzi womunhu akarurama haungadzurwi.

4. Mudzimai ane unhu hwakanaka ikorona kumurume wake, asi mudzimai anonyadzisa akafanana nokuora mumapfupa omurume wake.

5. Urongwa hwomunhu akarurama hwakarurama, asi kurayira kwavakaipa kunonyengera.

6. Mashoko owakaipa anovandira ropa, asi kutaura kwavakarurama kunovanunura.

7. Vanhu vakaipa vanobviswa pachigaro uye havazovapozve, asi imba yowakarurama icharamba yakasimba.

8. Munhu anorumbidzwa maererano nouchenjeri hwake, asi vanhu vane pfungwa dzakatsauka vanozvidzwa.

9. Zviri nani kuva munhu anoninipiswa asi iwe une muranda, pane kuzviita munhu wapamusoro iwe usina zvokudya.

10. Munhu akarurama ane hanya nechipfuwo chake, asi zviito zvakanaka zvowakaipa utsinye.

11. Uyo anoshanda mumunda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anongotevera zvisina maturo anoshayiwa zivo.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 12